“2023 Election Letter To Sabhuku”
13 September 2021
Spread the love

Chiromo Sec School
P. Bag 21Z
Zaka

10 September 2023

Kuna Sabhuku

Ndinoda kukuudzai kuti nyaya yegore riye yamaiti tinha semombe dziri kupinda mudhibha pasarudzo hazvina kunaka muzviregedze gwendo guno timbozvisarudzira watinoda tega.

Tarisai munhu wese ari kuchema nemi.Imi zivai kuti hwenyu huSabhuku ndehwe dzinza hapana anokutorerai.Musapinda mune zvamatongerwe enyika.Chega ose hapana risina mhodzi.Imu muri sabhuku wembavha, vafundisi zvese nevaroyi.

Iyo nyaya yenyu yokuti manikidza pokuvhotera nokutinyora mazita muchiisa kuZanu haina kunaka zvachose.Isu tose tiri vana venyu.

Gore ra2019 pamakagwara makaona kuti munhu wese wakaita mudeme mudeme kuti muwane mari yekuchipatara.

Zvino Baba Sekai mwana waTopita dai asina kukutakurai nokukumhanyisai kwaMusiso kuchipatara munofunga nyoka yainge yakurumai mairarama here?

Munofanigwa kutenda Mai Chuma vakauya nezano rokuunganidza mari vakamira mira kufambira musha wese kuti muwane mari. Zvino zvamaiva kurunguzha nokutsigira kwavo MDC muchida kuti varobwe dai vakafa maizowana mubatsiri.Iyo mota yakaenda nemi kuchipatara haisi yachairman weChinja here?

ZanuPF yamaidaro kuti manikidzira kuti tiivhotere yakasvika ikaisa ruoko here pamaigwara?Zivai kusiya poukama kana moita zvaZanuPF .

Sabhuku chamunonetsera munokanganwa chazuro nehope.Tinokumbiravo kuti zvokumburumbushirwa vanhu nokuda kwekuti atsigira bato raanoda tokumbira mumbosiya.Hatichade kunetsera nekuda kwesarudzo yangu.

Please please imbotisiyai tivhotere watinoda ndozvoupenyu hwedu nemhuri dzedu.Kusaenda kumabasa ndekwevana vedu kwete venyu.

Nhamo yataona muno maChiromo inongodavo kuti mutiregedze tivhotere patinohwa nemoyo yedu kuti ndipo pachatiyambusa.

Imi kana muchiona chiedza murima reZanuPF bvaaa ivhoterei moga ikoko musada kuti timwire mvura huku yadyiwa panext door .

Hatione chakashata kuti timboedza Chamisa nokuti ZanuPF takaona kwatakabva nayo nekwayatisvitsa.Sabhuku hatide hedu kutaura pamusoro pemombe dzedu dzakapera nezvirwere zvaingoda kuti mombe dzidhibhiswe chete.Imi munoziva Smith mombe dzaisungisa kuti usadhibhisa svondo rega rega musi weChitatu.

VaMugabe vari vapenyu dzaidhibha kamwe pamwedzi.Uyu wenyu ED Pfee azouya dzainge dzodhibha kamwe pamwedzi mitanhatu.Sabhuku vamwe takavesa matanga nokuda kweZanuPF iyi saka zvevhoti yokumanikidzwa imbomirai henyu.

Musakanganwa kukurumidza kuudza vanhu kuti zviyo zvedoro remukwerere zvichiunzwa.

Pamunodana musangano wemusha zvenyu zvokuita slogan dzeZanu please cherai chikomba mupfire imbwa dzinonge…hazvichaitwa futi nokuti mukadenha magwiro wotoshinga.

Mangoita slogan zivai kuti ndiri kusimuka ndichiitavo slogan yeChinja.Hatichada kujaidza makudo neanokamhina.Zvinhu zvachinja maitiro gwendo guno.

Ndatenda

Ndini Wenyu

John Fambisai.(MDC Alliance Chiromo Branch Chairman )