Murume Ava Kungokotsira Akatorega Basa, Mupfuhwira Wandipandukira
3 January 2022
Spread the love

Steven Hamandishe

Mukadzi wemuguta reHarare mumusha wemuBudiriro 4 anoti ari kuzvidemba zuva nezuva.Izvi zvichibva pakudyisa kwaakaita murume wake mupfuhwira wekuti rudo ruwedzere.

Mukadzi uyu anoti akatodura kuhama dzemurume, dambudziko rava rokuti kwaakatora mupfuhwira kwaMakomichi kuMasvingo kunonzi kunodiwazve imwe mari yekuti mupfuhwira uyu ufumurwe

Mai Chiradza vanoti vakabisa USD200 kupiwa muti uyu asi havana kuudzwa kuti unopusisa, vanotizve parizvino havana mari nekuda kwemari dzevana vechikoro dzinodiwa January.

“Hama ndakadziudza, murume wangu aishusha,kundirova zuva nezuva, kusatenga chikafu,chihure uye kusagara pasi. Ini ndaida kudzikamisirwa murume kwete kuti akotsire, zvino ivo vanoti ndini ndakaresva chipimo saka vanoda USD100 kundipa zvekufumura. Mhuri ingasafa here nenzara kana murume arega basa uye pese paari anongokotsira. Ndaikumbirawo mapurisa ataure naMakomichi achibisa hake miti yake, mari yandakabhara handina kuti ndoida asi ndongokumbira vasunungure murume wangu chero akadzokera hake paaive kare” anodaro mukadzi ari mupfumvu.

Mutauriri waMakomichi anoti mufundisi havapi mushonga asi munamato uye anotizve murapwa akadarikidza chipimo.