Murume Opisika Mudzimai Muchimbudzi Achiti Rudo Rwawandisa
10 January 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Davison Chikunde uyo anova arikutaurwa nezvake neruzhinji achinzi akadyiswa nemudzimai, iye anoti kuita kwake kunokonzerwa nekuwandisa kwerudo

Vamwewo vabve zera vanoti murume kupisika mukadzi zvinokonzerwa nemakwenzi akashatisisa aanenge akadyiswa, sezvo runyerekupe ruchiti mudzimai wake ihama yaIsaac Makomichi uyo anova anozikanwa nembiri yekugadzira varume uye masaramusi ekufambisa makomo

“Ini handina kugadzirwa,munhu wangu ndinomuda uye ndinoda kutowedzera level rerudo.Ndakavhunza Makomichi wacho akati mudiwa wangu paakaindako aitokumbira munamato wekuti ini ndiropafadzwe pabussiness rangu,mamassage emunhu waMwari nditori nawo.Ndakasarudza kuperekedza mudzimai kuchimbuzi uye kumubatsira kutsetsera nekuda kwangu inini ndega,ndinokurudzira vamwe vangu kuti muderewo” anodaro Davison

[02/01, 13:29] +263777469342: Musabvume kufurirwa nevanhu muranda waShe,mudzimai wenyu haana kumbotora mupfuhwira asi aitoti anoda munyengetero wekuti muropafadzwe.Vavengi avo vanoti makadyiswa,vanyengeri

Mashoko anonzi akatumirwa naMakomichi kuna Davison

Hazvanzi yaDavison anoti mukoma wake akatoremadzwa nekuti aisadaro makore ose