Zim Yava Kenani, Varikunze Chidzokai Kumusha-Mwonzora
19 July 2022
Spread the love

Vatsigiri veMDC-T vanonzi vakatsamwira Mwonzora mushure merunyerekupe runoti mutengesi uyu akataura mashoko ekuti Zimbabwe yavaKenani inoyerera wuchi nemukaka, naizvozvo maZimbabweans ose ari kune dzimwe nyika ngaachidzoka

Izvi zvinonzi zvakapa kuti Vincent Tsvangirai naMorgan Komichi vatangewo kuti Mwonzora haakodzeri kutungamira bato iri.Ukuwo veruzhinji vanoti mhandu iyi inoti nyika yakanaka nekuti iri kupiwa mari dzeZanu PF idzo dzinonzi dzinodyiwa nemuseredzero

Vari mhiri vanoti mashoko aya anoshamisa nokuti nyika yatowedzera kuwoma kudarika zvayaiva iri panguva yaMugabe

“Mwonzora anorasa muromo,arikutaura izvozvo kuti awanirwe tsiye nyoro neZanu PF iyo yakamushandisa ikamurasha,havachadi kana kumuwona nekuti akavanyepera kuti ane vanhu.Nguva ino ndiyo yaachaona kuti pastor Makomichi nambuya Ndunge vaimupa maraki havasi vana Mwari” anodaro umwe aimbovawo mukurusa mubato ravaMwonzora