Mupfuhwira Uyu Unoshandiswa Nevanem*garo Mahombe Chete, Papa Vodaro
19 August 2022
Spread the love

NaMorgan Zvemangororo

Umwe muporofita anozikanwa nemapipi Isaac Makomichi anonzi ari kutengesa mupfuhwira uyo waanopa vane magaro makuru chete.

Muti uyu unonzi chuma chinenge chakapingwa nemakona ekuGhana,apo panonzi pane unonzi muti wedomba,ruvhuno uye mudano.

Juju idzi dzinonzi dzinoshanda kuti murume paanoona mukadzi anobva anzwa kuda kusangana naye uye kumupa mari uye mudano wekudana varume vakawanda.

Makomichi uyo ava nemakore achitaurwa pamusoro pekupa vanhu mupfuhwira,veruzhinji vanoti vakabatsirikana uye vamwewo varikuti uyu wechuma unogona kuzokonzera kuti vanhu vanawo vabatwe chibharo sezvo wese anenge akuona achinzwa kuda kudanana newe.

Umwewo anoita basa rekutengesa muviri anonzi Beulla anoti akabhadhariswa 300us kupiwa chuma ichi,kubva ipapo anotiwo vatengi vemuviri wake vari kuita kuwanda chose.

“Uyu munamato wevaya vaishandiswa nezvikwambo kuti chisauye uye kuti awanewo vanomuda,kune vanoda kuitira business ndivo vanobhadhara asi kune anoda kungoroorwa anopiwa chuma ichi mahara,imhingo dzemunamato hausi mushonga,ndiko saka ruzhinji rurikubatsirika.Anoda hake kuroorwa achida chuma ichi anondibata pa +263777469342 anopiwa mahara uye kuchitumira kwaanenge ari” anodaro muzvimapipi Isaac Makomichi.

Vamwewo vakuru vedzisvondo vanoti kana uri munamato ngaachingogumira kupa vanoda kuroorwa vanoshandiswa nezvikwambo, kwete kuzopa vanoda kuita zbekutsvaga mari.

Mumwe mudzibaba anoti hutsinye nekuti kana ukatarisa munhu wonzwa domba unobva wamanikidzwa kuburitsa mari yako.