VaMwonzora Voenzanisa VaMnangagwa NaMwari ?
25 September 2022
Spread the love

Mutengesi nemupanduki mukuru ariyezve mutungamiri weMDC-T Mwonzora anonzi ari kupomerwa kuti akataura mashoko akashatirisa vebato rake apo kunonzi akaudza vanhu kuti Mnangagwa ndiye Mwari weZimbabwe

Mashoko awa anonzi akamataura achiti vashandi ngavatoita zvekufugama kukumbira kuti ED avawedzere mari

Mhandu iyi (Mwonzora) inonzi inenge yomanya bani mushure mekunge yarambirwa kutorazve (renew) futa reraki rekuti afarirwe nevari pazvigaro,iro rinonzi airipiwa naIsaac Makomichi (muzvinapipi weMasvingo) uyo anonzi akati futa rangu handicharipi vana kapirikoni (mutengesi mukuru).Ukuwo mbuya Ndunge (n’anga yechipinge) vanonzi vaimupawo makona ekutyiwa nevanhu asi vakazogumawo vati bodo handichadi kukubatsira.Izvi zvinonzi ndizvo zvokonzera mukuru uyu kumbobatwa nepfungwa nendangariro kusvika pakuvhumuka

Ruzhinji rweZimbabwe runoti Mwonzora munhuwo aitsvaka kuita mbinga kuburikidza politics ndiko saka achigara ari mudzin’anga

“Iyo itori mhangu yeZimbabwe,hatitevedzeri muromo wake wakaremadzwa nekuda mari,chitori chirema chehutengesi” anodarowo umwe mudzidzisi wemuHarare ati haafe akanamata ED