Madhimoni Ndiwo Aindituma Kubira Vanhu Mbeu-MP Mavhenyengwa
7 December 2021
Spread the love

Mudunhu reMasvingo hamuchina kumira zvakanaka mushure mekunge umwe mumiririri wenhengo yeparamende vaMavhenyegwa avo vari kukwikwidza kuda kuita chairman we province mubato reZanu PF,kunonzi vakatumira audio kuvatsigiri vavo vachikumbira ruregerero pamusoro pembeu nefetiraiza yavaibira vanhu

Mukoma Nobert avo vataura ne zimeye.com vanoti vashamisika nemashoko ebhiza ravo. Heanoi mashoko ataurwa pa audio inopomedzerwa kuti yakatumirwa navaMavhenyegwa

“Ma cdes ngatishandei ndiite chair we province,ini ndakazotendeuka nekuti paya pandaiba mbeu nemafetiraiza kwaisava kuda kwangu asi aiva madhimoni.Ndikahwinha imi ma cdes angu ndocheresa zvibhorani,basa ngarishandwe tibise Chadzamira” rinonzwikwa izwi rinonzi ndera Mavhenyengwa richitaura kudero

Hatina kukwanisa kubata vaMavhenyengwa kuti tinzwe divi ravo

Murume uyu agara ane rusarura uye itsotsi,zvino dhimoni racho rikadzokazve tinozodii apa chigaro achiwana; inodarowo imwe nhengo ye Zanu PF.- Morgan Zvemangororo